PLEASE NOTE: JOKES ARE MEANT FOR FUN NOT TO OFFEND.

Thursday, December 11, 2014

Murume chaiye haapererwe

MAI Dee: Bamwana mazuva ose ndimi
munoenda kubutcher kunotenga nyama -
muchidzoka late usiku .
BABA Dee: Kunenge kwakazara .
MAI Dee: Ko iyo perfume yamunodzoka
muchinhuwira iyi ?
BABA Dee: Killem yakapera ikoko saka
vakusprayer perfume mubutcher....
MAI Dee: Ko muromo kutsvuka selipstick chii
manje ?
BABA Dee: Kunogochwa liver saka
inozongodyiwa isati
yanyatsoibva nekuti vanhu vanenge
vakawanda .
MAI Dee:Ko facepowder iri pashoulder maiwanepi?
BABA Dee: haisi facepowder pane munhu
wandambotakurira saki remapotatoes...
MAI Dee: Ko bvudzi rakareba riri pahembe yenyu
rabvepi
BABA Dee: ndamboda kukutengera wivhi saka
mari ndiyo yazoshota
MAI Dee: Ko maoko arikunhuwa condom.
BABA Dee: Maplastic
andavesa moto nawo pabrai stand kuda anga
aine macondom mkati..
MAI Dee: Ko kuzouya makapfekera
hembe mukati chii?
BABA Dee: Urikuda kubika
inii kana kuti nyama ? Magetsi anoenda usati
wabika nekungobvunza zvisina basa..
Murume chaiye haapererwe

No comments:

Post a Comment