PLEASE NOTE: JOKES ARE MEANT FOR FUN NOT TO OFFEND.

Friday, May 8, 2015

Zvinofanirwa kuitwa mukapfeka suit.

1. Musapfeka sneakers, ma sandals, mapatapata,
zvipere izvozvo hazvipfekwi ne suit
2. Munofanira kuona zvekutenga mukapfeka suit,
musanwe maheu, musadye nzimbe, magwavha,
chibage chakagochwa or mufarinya nekuti, izvi
zvinodzikisira chiremerera che suit.
3. Vamwe vakataura zvinosekesa, sekaiwo
zvinechiremerera kwete kuseka zvekubuditsa
mazino kunge murikutengesa, sekaiwo zvine style
kuti musadzikisa chiremerera che suit yenyu,
kwete kubva mabuda musodzi nekuseka.
4. Musatasve basikoro mune suit, kwirai mota or
taxi kunyangwe ikadhura sei.
5. Musabereke satchel kumusana, musatakure
paper bag. Takurai laptop bag, kunyangwe
mukaisa matombo, zvisimbi zveku basa,
hazvinabasa chero makazviisa mu laptop bag
chete.
6. Musapfeka zvima wuru hat or dzema chawa,
mukapfeka suit.
7. Musarwe nevanhu, kunyangwe murimi
matadzirwa kumbirai ruregerero zvisati zvazvika
pakupfumba zvibhakera, ndapota.
8. Muchipfeka butsu inoyenderana ne suit, kwete
kupfeka chi gambutsu kana kuti chi work boot.
9. Musawetere pachena.
10. Mukada kutenga zvinhu musachemachema
pama prizes, or even change musatambira, ingotii
keep change chete, kuitira chiremerera che suit.
11. Musakeche mahure.
12. Musanwe hwahwa hwechibuku, inwai castle
lager, lion lager etc.
13. Musafarise kudya machips anobikwa mutuma
restaurant twemu road.
14. Pakutaura musakwidze mazwi.
15. Musamwire tea mucup isina mubato kana
yesimbi.
16. Musamhanyise kana kurovanawo mbavha.
17. Musaise mari direct muhomwe, isaiwo
muwallet then muhomwe.
18. Musaite nharo kanakutuka mukapfeka suit.
19. Musatsiga zvinhu mukapfeka suit.
20. Musachengete mazindebvu kana kuti
mazibvudzi kunge benzi.
21. Kunyangwe imbwa yacharger
zvekudakukurumai musatiza, munodzikisira
chiremerera che suit.
22. Musatiza mvura, munodzikisira chiremerera
che suit

No comments:

Post a Comment